Psalms 102

Munyengetero womunhu anotambudzika. Paanenge aziya uye odurura kuchema kwake pamberi paJehovha.

1Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha;
kuchemera kwangu rubatsiro ngakusvike kwamuri.
2Regai kundivanzira chiso chenyu
pandinenge ndichitambudzika.
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri;
pandinokudanai, ndipindurei nokukurumidza.

3Nokuti mazuva angu anopera soutsi;
mapfupa angu anopisa samazimbe anopfuta.
4Mwoyo wangu warohwa uye waoma souswa;
ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.
5Nokuda kwokugomera kwangu
kukuru ndaonda zvokuti ganda rangu ranamatira pamapfupa.
6Ndafanana nezizi romugwenga,
sezizi riri pakati pamatongo.
7Ndinovata ndakasvinura,
ndava seshiri iri yoga pamusoro pedenga remba.
8Zuva rose vavengi vangu vanondishungurudza;
avo vanondipengera vanoshandisa zita rangu sechituko.
9Nokuti ndinodya madota sechokudya changu,
uye ndinovhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi,
10nokuda kwehasha dzenyu huru,
nokuti makandisimudza mukandikanda parutivi.
11Mazuva angu akaita somumvuri wamadekwana;
ndinosvava souswa.

12Asi imi, iyemi Jehovha, munogara pachigaro choushe nokusingaperi;
mukurumbira wenyu uripo kusvikira kuzvizvarwa zvose.
13Imi muchasimuka mugonzwira Zioni tsitsi,
nokuti ndiyo nguva yokurinzwira nyasha;
nguva yakatarwa yasvika.
14Nokuti matombo aro anokosha kuvaranda venyu;
guruva raro chairo rinovaendesa kugomba.
15Ndudzi dzichatya zita raJehovha,
madzimambo ose enyika achatya kubwinya kwenyu.
16Nokuti Jehovha achavakazve Zioni,
agozviratidza pakubwinya kwake.
17Achadavira minyengetero yavanotambura;
haangazvidzi chikumbiro chavo.

18Izvi ngazvinyorerwe zvizvarwa zvamangwana,
kuti vanhu vasati vasikwa vagorumbidza Jehovha vachiti,
19“Jehovha akatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira,
ari kudenga akacherechedza pasi,
20kuti anzwe kugomera kwavasungwa
agosunungura avo vakatongerwa rufu.”
21Saka zita raJehovha richaparidzwa muZioni,
nokurumbidzwa kwake muJerusarema,
22panoungana marudzi noushe
kuti vanamate Jehovha.

23Panguva youpenyu hwangu akatapudza simba rangu;
akaita kuti mazuva angu ave mashoma.
24Saka ndakati,
“Regai kundibvisa, imi Mwari wangu, pakati pamazuva angu;
makore enyu anoramba aripo kusvikira kuzvizvarwa zvose.
25Pamavambo makateya nheyo dzenyika,
uye matenga ibasa basa ramaoko enyu.
26Izvo zvichaparara, asi imi munogara muripo;
zvose zvichasakara senguo. Senguo muchavabvisa uye vacharaswa.
27Asi imi mucharamba makadaro,
uye makore enyu haatongogumi.
28Vana vavaranda venyu vachagara pamberi penyu;
zvizvarwa zvavo zvichasimbiswa pamberi penyu.”
Copyright information for SnaBDSC